4007Q1 SPECIMEN RONDEDZERO NENZWISISO
Year: Specimen • Views: 1 • Downloads: 1
đź“„ Exam Questions & Readable Text Transcript
Full OCR-extracted text of questions, syllabus codes, and exam instructions.
Extracted Content: 4007Q1 SPECIMEN RONDEDZERO NENZWISISO
Page 1
Extracted Text
For PostoZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCIL
General Certificate of Education Ordinary Level
SHONA 4007/1
PAPER 1 Rondedzero neNzwisiso
SPECIMEN PAPER Maawa maviri
Additional materials:
Answer paper
NGUVA: Maawa maviri
RAYIRO KUVANY ORI VEBVUNZO
Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.
Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako yawakapiwa somunyori papepa
roga roga remhinduro rawashandisa.
Pindura mibvunzo yose.
Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neC hiShona chete.
Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwe chete.
ZIVISO KUVANY ORI VEBVUNZO
Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi ( ) pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye
Izvi [ ] panoperera mubvunzo woga woga.
Bvunzo ino yakanyorerwa pamapeji matanhatu nemaviri asina kunyorwa chinhu.
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, Specimen Paper.
©ZIMSEC SPECIMEN PAPER [Enda kuseri
---
Page 2
Extracted Text
CHIKAMUI: RONDEDZERO Zvichakubatsira kuti upedze awa imwe chete pachikamu chino.Sarudza musoro mumwe chete pane yose yakapiwa. Ugonyora rondedzero yemhando
yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana kusvitsa mapeji mana.
1 (a) Girafu rakanyorwa pazasi apo rinoratidza basa rokupfuya nguruve rakatangwa
nevana vepaC hemugodo Secondary School. Girafu rinoratidza huwandu
hwenguruve dzavakatengesa mukati memakore matanhatu kubva pavatanga fomu
yokutanga kusvika fomu yechitanhatu vachipedza dzidzo yavo. Ita sokuti ndiwe
mukuru weboka rekupfuya nguruve iri pachikoro apa, ugonyora mhan/aro (ripoti)
kumupepeti wepepanhau reKwayedza pachikamu chezvekurima uchitsanangura
mashandiro amakaita pabasa iri kubva muchitanga kusvika muchipedza,
muchizorisiira vanotevera shure kwenyu.
100
80
60
/DZAKABUDA
40
20
NGURUVE DZAKATENGESWA
WY
20122. «2013 2014) 2015-2016 = 2017
j
Le
MAKORE
[50]
(b) = Nyora nyaya inodudzira tsumo yokuti, ““Chenga ose manhanga hapana
risina mhodzi.” [50]
() Wakokwa semuenzi anoremekedzwa pamabiko ekuonekana nevana
vepachikoro pawakambodzidza vava kupedza chikoro. Chinyora mashoko
auchataura pagungano iri uchipa vana ava chenjedzo nesimbiso
zvinozovabatsira munyika mavava kupinda. [50]
4007/1 SPECIMEN PAPER
---
Page 3
Extracted Text
(dq) = Nyora tsamba kuMumiriri weDunhu renyu muparamende yokuvazivisa rubatsiro rungapiwa avo vanorarama nekurima vachidiridza kuti mabasa avo anyatsobudirira. 50(e) Nyora hurukuro pakati pevasikana vaviri vari kukakavadzana pamusoro
pekukosha kwatete mumhuri. Mumwe anoti, tete vakakosha mumhuri mumwe
achiti, vanatete vemazuva ano ndidzo dzave mhutse/mharadzi. 50
(f) Nyora rondedzero inopera namazwi anotevera, “Kubva zuva iri handina
kuzoda kufamba usiku zvakare.” 50
(g) Zvakakoshera kurarama netariro kana une hutachiona hwemukondombera.
50
4007/1 SPECIMEN PAPER
[Enda kuseri
---
Page 4
Extracted Text
CHIKAMUII: NZWISISO NEPFUPISONyatsoverenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo yose inoitevera neChiShona
chakanaka.
Ndinodavira kuti akanga ava kurwadziwa zvakanyanya apo akataura zvakare
neizwi raishoshoma. Ndakanzwira mumwe wangu tsitsi ndikamugumbatira.
Mukoma Gaba akaramba achitaura asi pari zvino akanga asisaiti musere kwete.
Aiva okurukura mashoko akadzama. Mazwi esungano yedu. Matama
aizivikanwa nevapenyu navafi vose veZimbabwe. Aiedza kundikomekedza
kwazvo.
Mashoko ake handifi ndakaakanganwa kusvikira murufu nokuti imbuva
youpenyu hwangu. Akati, “Chionaika Mukoma Shingirirai, ini ndava kukusiyirai
basa rakakosha kwazvo. Basa rokusunungura Zimbabwe. Mushando unorema
samare, asika zviuya zvisiyiranwa. Ini ndavakunosangana namagamba ari
kumhepo. Saka iwe wochiramba uchipfuudzira zvido zvoruzhinji mberi.
Kwete zvido zvako iwe kana kuti zvomuvengi.
Viva Zimbabwe!
Pamberi nokushinga!
Pamberi nechimurenga!
Pasi nevasvetasimba!
“Dai waro, Mukoma Tino, mangopinda muZimbabwe itsva musina kutengesa
zvido zvavanhu. Ini ndinodada nokuti ndafa ndichirema segomo rino iri ratiri.
Zvino kana iwe ukatengesa Zimbabwe kuvavengi, uchapepereka sebepa chairo.
Usaita chivhundukamapete hana yegonzo. Usatsva guni somutakura. Mbuya
Nehanda uye magamba mazhinji akafa achirwa. Nhasi ini ndafa ndichirwisa
muvengi. Ko, iwewo, nhai Komuredhi Tino...too...nga?” Akandandama
achizviruma rurimi. A kandibata zvine simba, akandidana zvakare, “Komu...
Shi... ngi... ri... ra...1 Ti... no... to...to...nga Zi... mba...bwe.” Simba
rakapera, akafema katatu, ndiye zi-i akadaro, nokuti mweya wakanga wabuda
maari.
Ndakasara ndichijohonywa-johonywa nokubaiwa-baiwa nemazwi okupedzisira
akanga achangobva mukutaurwa naMukoma Gaba. Ndakatangisa kutaura
neshamwari yangu yandainyatsoziva kuti yatova mushakabvu. “Chinzwaka
Comrade Gabarinocheka, nemi tateguru murere apo, ini ndinotsidzira, pamberi
penyu kuti ndichapfuudzira mberi zvido zvemhomho yeZimbabwe. Imi zororai
zvenyu murugare. Ndicharwa sasahwira wangu uyo akati kwati kumadziro uyo.”
4007/1 SPECIMEN PAPER
---
Page 5
Extracted Text
Iyo shato yacho kana kumboita zvayo hanya neni, inenge yakanga yatokotsira zvayo sezvo yaiva ichangobva mukusvusvura kwayo. “Ini ndicharamba ndakashingirira kusvikira tatonga Zimbabwe.” Ndakaradzika shamwari yangu zvakanaka ndikaita zvose zvinodikanwa pakuchengeta murwi. Ndakambobuda panze ndichida kumema nokushora kuti kunze kuri sei. Pandakangoona chete kuti kwakafura mhepo ndakabva ndatora zvombo zvangu uye zvaGaba ndokusiya ndapfiga bako riya.Ndaida kupoya nhambo dziripo, ndiyo mhaka ndakakambaira ndichidzika
negomo racho. Ini ndaizviziva kuti magora haabvi pane nyama. Ndaizviziva
kuti kana kwangoedza chete masoja aizonzvera gomo rose achivhima zvitunha
zvedu. Kana vaiwana mutumbi wemuC omrade, zvechokwadi, vaipembera
nemisha yose. Chete musi mumwe gava rachadimbura musungo. Pose
pandaifamba apa ndaive ndakazarirwa neshungu kuti shutu. Somurwi ndaifanira
kuputsira shungu muzviito kwete mumisodzi. Sezvo kwaiva nemhindo,
ndaingopuvirawo murimamo. Ndava kumucheto kwegomo ndakagumburwa
ndikarovera paruware, izvo zvakavhundutsa masoja aiva ari seri kwedombo
raiva pedyo napandakawira. Tochi yavavengi yakasanganidzana nedhongi
raitozvirovera zvaro mutsindo pasi richizvidyira mazhanje aro, seri kwedombo.
“A, idhongi nhai! Ngatidzokerei zvedu.” Ndakakwenya mhino nakasiyanwa.
Masoja akadzokera panzvimbo asiwo ndakanga ndanzwa nokutukirirwa.
Kana ndiri seni ndakasvotwa zviya zvokusvotwa, ndikabitirirwa nehasha.
Pfungwa dzorufu rwavamwe vangu uye mazwi aMukoma Gaba, zvakandipa
chivindi chinenge cheshumbakadzi yatorerwa vana vayo, ndikaita zvisionekwi.
Ndakazvongonyoka semhungu ndakananga kuvavengi vangu. Ndaida
kundoshora usavi hwangu.
“Vakanga vakatungidza kamwenje. Ndakaverenga ndikaona sokunge paiva
navarume gumi navaviri. Aiwa kani, seri ikoko zvikara zvakanga zvakapura
nyemba nomusana. V arume ava vakanga vakarasa muswe. Hwakanga huri huchi
hwadonhera pamuromo. V amwe vaviri ndivo vaivhura magaba. Ndinodavira kuti
akanga ari ebhifi nokuti munhuwi wacho wakanditi kape mumhino mangu. Dai
paiva norufaro ndaidai ndakananzvira nokuti ndakanga ndakwana nenzara.”
(Y akanhadzurudzwa kubva muna Zvaida Kushinga rakanyorwa naC.S. Makari)
(a) —_ Nyaya iyi iri pamusoro penguva ipi munyika yeZimbabwe? (1)
(b) Kubva pamatauriro aMukoma Gaba, chii chinoratidza kuti vainge vava
kutandadza? (1)
4007/1 SPECIMEN PAPER
[Enda kuseri
---
Page 6
Extracted Text
© (d)(e)
(i)
(g)
(h)
@
Doma izwi rakashandiswa mundima rinoreva munhu akafa.
Chii chiri kunzi naShingirirai sahwira wake ari kumadziro, mubako
maaiva?
Shingirirai anorevei kana achiti mashoko aive mbuva youpenyu hwake?
Tsanangura zvinhu zviviri zvakapa Shingirirai chivindi chinenge
cheshumbakadzi.
Kutengesa Zimbabwe kwaitaurwa kwaiva kuita sei?
Tsanangura ndevo dzinotevera sokushandiswa kwadzakaitwa munyaya
yawaverenga.
@ Zviuya zvisiyiranwa.
(ii) Ndafa ndichirema segomo rino iri ratiri.
(iii) Sezvo yaiva ichangobva mukusvusvura kwayo.
(iv) Kwakafura mhepo.
(v) | Magora haabvi pane nyama.
Nyora pfupiso yenyaya iyi nemazwi ako asingapfuuri makumi mashanu.
4007/1 SPECIMEN PAPER
---
Page 7
Extracted Text
BLANK PAGE4007/1 SPECIMEN PAPER
---
Page 8
Extracted Text
BLANK PAGE4007/1 SPECIMEN PAPER
---