📄 Exam Questions & Readable Text Transcript
Full OCR-extracted text of questions, syllabus codes, and exam instructions.
Extracted Content: 2023_shona_alevel_nov_paper1
Page 1
Extracted Text
For PZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCIL
General Certificate of Education Ordinary Level
SHONA LANGUAGE 4007/1
PAPER 1: Rondedzero neNzwisiso
NOVEMBER 2023 SESSION Maawa maviri
Additional materials:
Answer paper
Nguva: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.
Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako yawakapiwa somunyori
papepa roga roga remhinduro rawashandisa.
Pindura mubvunzo mumwe chete muChikamu I nemibvunzo yose muChikamu II.
Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neChiShona chete.
Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwe chete.
ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO
Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi (_) pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye
izvi [ ] panoperera mubvunzo woga woga.
Bvunzo ino yakanyorerwa pamapeji mashanu nematatu asina kunyorwa chinhu.
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, N2023.
[Enda kuseri
Nu NH
---
Page 2
Extracted Text
CHIKAMU I: RONDEDZEROZvichakubatsira kuti upedze awa imwe chete pachikamu chino.
Sarudza musoro mumwe chete pane yose yakapiwa. Chinyora rondedzero yemhando
yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana kusvitsa mapeji mana.
1 (a)
(b)
(c)
(d)
(e)
)
(g)
A
Mhirizhonga.
Nyora nyaya inopedzisira nemazwi anoti, "Kana nzara chaiyo handina
kuzoniboinzwa."
Nyora nyaya inoburitsa pachena zvinoreva tsumo inoti, "Kukava datya
kuriyambutsa."
Nyora hurukuro pakati pevanhu vaviri vari kukakavadzana pamusoro
penzira yekuroorana nemuchato, umwe achiti yakanaka umwe achiti
yakaipa.
Waitwa mutungamiri wevechidiki wesangano rekereke. Nyora mashoko
aungataura pagungano ravo uchivapa mazano ezvavangaita kubatsira
vanoshaiwa munharaunda mavanogara.
Nyora mhan'aro kumumiririri wedunhu renyu muparamende
uchimutsanangurira zvimhingamupinyi zvamuri kusangana nazvo
munzvimbo dzamakagariswa patsva nehurumende uye zvingaitwe
kuderedza zvimhingamupinyi izvi.
Nyora tsamba kumukuru weBato reKutenga neKutengeserana
uchimuudza nezvematambudziko ari kusangana nevatengi uye kuti
anoderedzwa sei muZimbabwe.
4007/1 N2023
50]
50]
50]
50]
50]
[50]
[50]
---
Page 3
Extracted Text
CHIKAMU Il: NZWISISO NEPFUPISO Verenga ndima iyi ugopindura mibvunzo inotevera.2 Akanga ari mashambanzou, hweva ichangoti kwirei, matafi ava kurira, mazizi ava
kubvumirana namachongwe apo mbuya Josi vakamuka pauriri ndokutanga kunyunyuta
kumwana wavo Tatenda.
Kuzvara kwedzangu nyoka, aiwa, ndiko kunonzi kubvisa mapundu muura chokwadi.
Chandakauyira zvangu kuzvigujurisa nebhazi ratye Moyondizvo anoti kana omhanya
haachazivi kana kuziva zvake ... tye mukati haaputi mbanje? Iwo maziso anongogara
akati kovo-o kutsvuka segudo radya chiviroviro...tichamunzwa chete. Aiwaiwa kuzvara
kwedu madzimai, hameno.
Zvino ndizvo zviri pano izvi. Mwana oti mhai cliimbouyai kuno mukarega
mungandigumbure. Zvino ndizvo zvokusvikodhanairirwa kudai? Ndizvo zvandakasiira
mamera angu muna Odzani kusvikoitirwa madzanambwanana akadai? Naamai vangu
VaChurumhanzu vachandiona vana vaMabasa. Chokwadi vaera Soko vanoti
vakariwana wadawatasva chongi rapachigayo pachangamire.
Kuno baba vavo vanondibata neminwe ine zvimbi neirwo rukadzi rwavo Eneresi, ruroyi
zvaro rwakadai kundipedzera vana vangu...dai vakararama maiti vaizoita mapenzi here?
Zvino zvakwasara ivava vaviri vanoti zigotsikotsia iri rigere pano naiyeyu mudiki
anotsenga mukanwa, hameno.
Rwuri irwo rukadzi rwako, Tatenda rwunotya pasi sepanoruma. Munhu ndokuita
kukotama sezvinonzi uri dhibhura? Hanzi a, hee, handingagari pamusha ndiri
kupedzerwa vana vangu. Vatatu chete? Ndizvo zvaunoti ndakapedzerwa? Ko isu
takakwanhurirwa vose tingadai tichiri vapenyu here? Zvino imo muGweru
makasouyiwa kare kare hanzi ndimo mave mumusha here? Vana kukura, kureba minwe
seyavaRungu nokusaziva badza!
Kudoti zvinhu zvinofambirwawo zvichigadziriswa, dzoro papata hanzi handibati
zvechihedheni ndinonamata. Zvechihedheni zvatakakura tichirerwa nazvo? Nhasi iwe
ndiwe wangwara kudarika madzitateguru edu. Iwe wava mazivazvose. Mazvigona
anoudza mai vakamuzvara kuti zvemashopeshope ndezvedima. Ho-o ita zvako Tatenda.
Musi wandinoti didinya pasi apa uchabuda chinzvinzvi nomumukanwa.
Ko zvino zvawangosarirwa naiko kunamata kwakoko, chiitawo mabhazi nezvitoro
zvinoita vamwe vezera rako. Ukati uchiri munhu mwanangu? Wakakohovedzwa nairwo
rukadzi rwako rusinganyari kudyira mundiro imwe chete newe. Hoyoka Thomas
naTongai vaenda mhiri kwemakungwa iwe wakangoti vavava sedzvinyu riri kuzambira
zuva, musorobhangu.
4007/1 N2023
PALOMA ANCA
[Enda kuseri
---
Page 4
Extracted Text
Zvawakanga watiza musha uchiti baba vanokuvenga, Eneresi akupedzera vana, ini mai vako ndinovenga mukadzi wako. Ko zvino zvowoti regai chana chaEneresi chiuye kuzopinda chikoro kuno?Ndiwe wakauya nako kunamata here? Kusina kana nedoro kana tswanda yezviyo?
Kunamata kwemari? Nhasi mufundisi wenyu Chiwaya handiti apfuma naidzo mari
dzenyu muchingomukandira muchiti zvichemo kuna Mwari waChiwaya.
lye Chiwaya watinoziva kuti chaiva chitopota chen'anga kuZambia. Akabva Zambia ari
gwaumbu nhasi mamuitisa shoroma. Zvipfuyo zvake nemotokari zvonge honye dziri
padhongi rakaora. Imi makangoti favava baba nhiya vangu.
(Nyaya yakanatsurudzwa kubva mubhuku Kunyarara Hakusi Kutaura? naC. Mungoshi.)
(a) Ndiani ari kutaura mundima iyi? (1)
(b) Tatenda anoyera mutupo upi? (1)
(c) @) — Chii chakaitwa naMoyondizvo chakagumbura munyori? ()
(ii) Inguva ipi iri kinyunyuta munyori? (1)
(d) Ipa mazwi ako anoreva zvakafanana neaya sekushandiswa kwaakaitwa
mundima.
@ — zvokudhanairirwa (2)
(ii) didinya (2)
(ili) _zigotsikotsi (2)
(iv) gwaumbu : (2) |
(e) Chii chiri kushorwa nemunyori pamusoro seanitanbar chemwana
wake? (2)
4007/1 N2023
AQ On
---
Page 5
Extracted Text
(f) Tsanangura zvinoreva mazwi aya sekushandiswa kwawo mundima. (i) | wadawatasva dhongi repachigayo (2) (i) kubvisa mapundu muura (2) (iii) isu takakwanhurirwa vose (2) [20] (g) Nyora pfupiso yendima iyi nemazwi ako asingadariki makumi mashanu. [10]4007/1 N2023
LAAN
[Enda kuseri
---
Struggling with the concepts in this paper?
Revise syllabus notes, key exam points, and interactive practice questions for Languages Local: