📄 Exam Questions & Readable Text Transcript
Full OCR-extracted text of questions, syllabus codes, and exam instructions.
Extracted Content: 2022_shona_olevel_nov_paper1
Page 1
Extracted Text
ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCILGeneral Certificate of Education Ordinary Level
SHONA 4007/1
PAPER | Rondedzero neNawisiso
NOVEMBER 2022 SESSION Maawa maviri
Additional materials: ©
Answer paper A
NGUVA: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.
Nyora zita rako, Qhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako yawakapiwa somunyori papepa
roga roga remhhluro rawashandisa.
Pindura mibvieo yose.
Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neChiShona chete. !
ge?
Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwe chete. Q °
ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO
Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi () pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye
Izvi [ ] panoperera mubvunzo woga woga.
Bvunzo ino yakanyorerwa pamapeji matanhatu nemaviri asina kunvorwa chinhu,
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, N2022
@ZIMSEC N2022 [Enda kuseri
IOI IMM
---
Page 2
Extracted Text
CHIKAMU I: RONDEDZEROZvichakubatsira kuti upedze awa imwe chete pachikamu chino.
Sarudza musoro mumwe chete pane yose yakapiwa. Ugonyora rondedzero yemhando
yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana kusvitsa mapeji mana.
1 (a)
(b)
(c)
(d)
(e)
(f)
Matambudziko anounzwa nokuya kwakaita dziva mupengo
Nyora nyaya inodudzira tsumo yokuti, “Idya nehama mutorwa anehangamwa.”
Nyora nyaya inodudzira ne chirevo chinoti Mhosva hairovi
Nyora tsamba kuhama kumupepeti wepepanhau raunoda uchipa zvikonzero
zvinoita kuti vashandi vemuno munyika vaende kunoshanda kune dzimwe nyika.
Nyora hurukuro pakati pemusikana no mukomana.Mukomana anotsoropodza
mapfekero ave kuita vanhukadzi navasikana mazuvano achiti haana kunaka uyu
musikana achipikisa achiti akananaka.
Nyora tsamba uchizivisa chikoro chepedyo nemi kuti tirikuda kutamba nhabvu
yeushamwari nemi.”
4007/1 N2022
---
Page 3
Extracted Text
[Enda kuseri CHIKAMU II: NZWISISO NEPFUPISONyatsoverenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo yose inoitevera neChiShona
chakanaka.
Ndinodavira kuti akanga ava kurwadziwa zvakanyanya apo akataura zvakare
neizwi raishoshoma. Ndakanzwira mumwe wangu tsitsi ndikamugumbatira.
Mukoma Gaba akaramba achitaura asi pari zvino akanga asisaiti musere kwete.
Aiva okurukura mashoko akadzama. Mazwi esungano yedu. Matama aizivikanwa
nevapenyu navafi vose veZimbabwe. Aiedza kundikomekedza kwazvo.
Mashoko ake handifi ndakaakanganwa kusvikira murufu nokuti imbuva youpenyu
hwangu. Akati, “Chionaika Mukoma Shingirirai, ini ndava kukusiyirai basa
rakakosha kwazvo. Basa rokusunungura Zimbabwe. Mushando unorema_ samare,
asika zviuya zvisiyiranwa. Ini ndavakunosangana namagamba ari kumhepo.
Saka iwe wochiramba uchipfuudzira zvido zvoruzhinji mberi. Kwete zvido zvako
iwe kana kuti zvomuvengi.
Viva Zimbabwe!
Pamberi nokushinga!
Pamberi nechimurenga!
Pasi nevasvetasimba!
“Dai waro, Mukoma Tino, mangopinda muZimbabwe itsva musina kutengesa zvido
zvavanhu. Ini ndinodada nokuti ndafa ndichirema segomo rino iri ratiri. Zvino kana
iwe ukatengesa Zimbabwe kuvavengi, uchapepereka sebepa chairo.
Usaita chivhundukamapete hana yegonzo. Usatsva guni somutakura. Mbuya
Nehanda uye magamba mazhinji akafa achirwa. Nhasi ini ndafa ndichirwisa
muvengi. Ko, iwewo, nhai Komuredhi Tino...too...nga?” Akandandama
achizviruma rurimi. Akandibata zvine simba, akandidana zvakare, “Komu... Shi...
ngi... i... ra... i Ti... no... to...to...nga Zi... mba...bwe.” Simba rakapera,
akafema katatu, ndiye zi-i akadaro, nokuti mweya wakanga wabuda maari.
Ndakasara ndichijohonywa-johonywa nokubaiwa-baiwa nemazwi okupedzisira
akanga achangobva mukutaurwa naMukoma Gaba. Ndakatangisa kutaura neshamwari
yangu yandainyatsoziva kuti yatova mushakabvu. “Chinzwaka Comrade
Gabarinocheka, nemi tateguru murere apo, ini ndinotsidzira, pamberi penyu kuti
ndichapfuudzira mberi zvido zvemhomho yeZimbabwe. Imi zororai zvenyu murugare.
Ndicharwa sasahwira wangu uyo akati kwati kumadziro uyo.” Iyo shato yacho kana
kumboita zvayo hanya neni, inenge yakanga yatokotsira zvayo sezvo yaiva ichangobva
mukusvusvura kwayo. “Ini ndicharamba ndakashingirira kusvikira tatonga
4007/1 N2022
---
Page 4
Extracted Text
Zimbabwe.” Ndakaradzika shamwari yangu zvakanaka ndikaita zvose zvinodikanwa pakuchengeta murwi. Ndakambobuda panze ndichida kumema nokushora kuti kunze kuri sei. Pandakangoona chete kuti kwakafura mhepo ndakabva ndatora zvombo zvangu uye zvaGaba ndokusiya ndapfiga bako riya.Ndaida kupoya nhambo dziripo, ndiyo mhaka ndakakambaira ndichidzika
negomo racho.Ini ndaizviziva kuti magora haabvi pane nyama. Ndaizviziva kuti
kana kwangoedza chete masoja aizonzvera gomo rose achivhima zvitunha zvedu.
Kana vaiwana mutumbi wemuComrade, zvechokwadi, vaipembera nemisha yose.
Chete musi mumwe gava rachadimbura musungo. Pose pandaifamba apa ndaive
ndakazarirwa neshungu kuti shutu. Somurwi ndaifanira kuputsira shungu muzviito
kwete mumisodzi. Sezvo kwaiva nemhindo, ndaingopuvirawo murimamo. Ndava
kumucheto kwegomo ndakagumburwa ndikarovera paruware, izvo zvakavhundutsa
masoja aiva ari seri kwedombo raiva pedyo napandakawira. Tochi yavavengi
yakasanganidzana nedhongi raitozvirovera zvaro mutsindo pasi richizvidyira
mazhanje aro, seri kwedombo.
“A, idhongi nhai! Ngatidzokerei zvedu.” Ndakakwenya mhino nakasiyanwa. Masoja
akadzokera panzvimbo asiwo ndakanga ndanzwa nokutukirirwa.
Kana ndiri seni ndakasvotwa zviya zvokusvotwa, ndikabitirirwa nehasha. Pfungwa
dzorufu rwavamwe vangu uye mazwi aMukoma Gaba, zvakandipa chivindi
chinenge cheshumbakadzi yatorerwa vana vayo, ndikaita zvisionekwi.
Ndakazvongonyoka semhungu ndakananga kuvavengi vangu. Ndaida kundoshora
usavi hwangu.
“Vakanga vakatungidza kamwenje. Ndakaverenga ndikaona sokunge paiva navarume
gumi navaviri. Aiwa kani, seri ikoko zvikara zvakanga zvakapura nyemba nomusana.
Varume ava vakanga vakarasa muswe. Hwakanga huri huchi hwadonhera
pamuromo. Vamwe vaviri ndivo vaivhura magaba. Ndinodavira kuti akanga ari
ebhifi nokuti munhuwi wacho wakanditi kape mumhino mangu. Dai paiva norufaro
ndaidai ndakananzvira nokuti ndakanga ndakwana nenzara.”
(Yakanhadzurudzwa kubva muna Zvaida Kushinga rakanyorwa naC.S. Makari)
(a) Nyaya iyi iri pamusoro penguva ipi munyika yeZimbabwe? (1)
(b) Kubva pamatauriro aMukoma Gaba, chii chinoratidza kuti vainge vava
kutandadza? (1)
4007/1 N2022
---
Page 5
Extracted Text
(c) Doma izwi rakashandiswa mundima rinoreva munhu akafa. (1)(d) Chii chiri kunzi naShingirirai sahwira wake ari kumadziro, mubako
maaiva? (1)
(e) Shingirirai anorevei kana achiti mashoko aive mbuva youpenyu hwake? (2)
(f) Tsanangura zvinhu zviviri zvakapa Shingirirai chivindi chinenge cheshumbakadzi.
(2)
(g) Kutengesa Zimbabwe kwaitaurwa kwaiva kuita sei? (2)
(h) Tsanangura ndevo dzinotevera sokushandiswa kwadzakaitwa munyaya yawaverenga.
(i) Zviuya zvisiyiranwa. (2)
(ii) = Ndafa ndichirema segomo rino iri ratiri. (2)
(ili) Sezvo yaiva ichangobva mukusvusvura kwayo. (2)
(iv) | Kwakafura mhepo. (2)
(v) Magora haabvi pane nyama. (2)
() Nyora pfupiso yenyaya iyi nemazwi ako asingapfuuri makumi mashanu. (10)
[30]
4007/1 N2022
---
Page 6
Extracted Text
BLANK PAGE---
Page 7
Extracted Text
---
Page 8
Extracted Text
BLANK PAGE---
Page 9
Extracted Text
---
Struggling with the concepts in this paper?
Revise syllabus notes, key exam points, and interactive practice questions for Languages Local: