📄 Exam Questions & Readable Text Transcript
Full OCR-extracted text of questions, syllabus codes, and exam instructions.
Extracted Content: 2018_shona_olevel_nov_paper1
Page 1
Extracted Text
ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCILGeneral Certificate of Education Ordinary Level
SHONA 4007/1
PAPER 1 Rondedzero neNzwisiso
NOVEMBER 2018 SESSION 2 hours
Additional materials:
Answer paper
NGUVA: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.
Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba
Papepa roga roga remhinduro rawashandisa.
yako yawakapiwa somunyori
Pindura mibvunzo yose.
Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neChiShona chete.
Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwe chete.
ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO
Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi
() pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye
izvi [ ] panoperera mubvunzo woga woga.
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, N2018.
©ZIMSEC N2018
11
---
Page 2
Extracted Text
CHIKAMU 1: RONDEDZEROZvichakubatsira kuti upedze awa imwe chete pachikamu chino.
1
Sarudza musoro mumwe chete kubva pane yakaptwa ugonyora rondedzero,
yemhando yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana mapeji mana.
(a) Nyora mhan’aro kumukuru wechikoro uchitsanangura zvakaitika pamakaenda
kune imwe yenzvimbo dzekushanyira muno muZimbabwe.
(b) — Dindingwe rinonaka richakweva rimwe, kana iro rokwehwa roti mavara angu
azara ivhu.
(c) Nyora mashoko auchataura semumiririri wevana vechikoro, uchitenda
muzvinabhizimusi wemunharaunda akapa chipo chemakombiyuta kuchikoro
chenyu.
(d) — Nyora tsamba kuhama yako yave kuda kunoshandira kunze kwenyika ichisiya
mudzimai nevana muno munyika uchimupa mazano angabatsire kuti imba
yake isaparare nekuda kwekuparadzaniswa nebasa kwavepo.
(e) Nyora hurukuro pakati pavanhu vaviri vari kukavadzana mumwe achiti
kudzidzisa vana kune pundutso mumwe achiti kwangova kupedza pfuma
pasina chinozobuda kuvanavo.
(63) Nyora nyaya inopedzisira nemazwi anoti, “...rufu ndimadzongonyodze.”
(g) Kukosha kwekurima mukurarama kwevanhu munyika yeZimbabwe.
[50]
CHIKAMU I: NZWISISO NEPFUPISO
Nyatsoverenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo yose neChiShona chakanaka.
Vaya vakataura kuti nhamo haibvi pane imwe vanenge vaireva ini. Hupenyu
hwangu hwaiva hwekusonanidza sezvigamba kubva ndichiri mudumbu raamai.
Baba vakandiramba ndichiri mimba, zvinove zvakapa mai vangu pfungwa
yekutomboda kubvisa nhumbu iyi. Ko vaichidii chinhu charambwa nemwene
wacho? Pakuedza kusvotora nhumbu iyi, zvinonzi amai vakarwara botsakufa
asi nhumbu haina kubva. Kuwedzera munyu pachironda mai, vakazondibereka
ndiine urema.
5
4007/1 N2018
12
---
Page 3
Extracted Text
Mai nyakundibereka vakandipa zita rekuti Dzandimomotera, kunyangwe ; vaizoridimbura zvavo vachiti Dzandi. Zvakanetsa amai vangu kugamuchira kuti vakanga vapihwa mwana ane urema. Havaienda neni paruzhinji sezvo kwavari ndaisava mwana anodadisa pane vamwe. Zvekuyemedzwa zvinoitwa vamwe vapwere ini handina kumbobvira ndakazviziva. Ndakakura ndichingoziva mashoko ekutukwa nekutsiurwa nehasha chete.Vabereki vaamai vangu vaiva venhehwechena, zvichireva kuti chekudya,
chekupfeka kana chekufuka chaitowanikwa mushure mekutambura kukuru.
Pakashaya sekuru naambuya, upenyu hwakawedzera kuoma. Panguva iyi
ndakanga ndakura zvekuti ndaiona nekunzwisisa kutambura kwaiita mai vangu
kuti tirarame. Ndakamboedza kufunga nzira dzekuvabatsira nadzo asi mabasa
andaigona chete ndeaya anoitwa munhu akagara pasi, sekumenya nzungu kana
kukuchidzira moto. Chikonzero chaiva chekuti rimwe gumbo rangu raiva pfupi,
rimwe racho takatsveyama.
Rimwe zuva Baba Ruzani, mufundisi wechechi yeRoma, vakauya ndokundza mai
vangu kuti ndainge ndofanira kuchienda kuchikoro. Sezvo ivo vaitogara
pachikoro vakaudza amai kuti vasashushikane nezveman yechikoro kana
zvipfeko zvechikoro nekuti ndivo vaizozvibhadhara. Nyaya iyi yakanga isina
matiziro, nekudaro amai vakabvuma. Vakati ndaizotanga mushure mesv
fondo
mbiri.
Hana yangu yairova nekuti ndaisaziva zvekutarisira kuchikoro kwendaizoends.
Ndakanga ndisina layjaira kuona vanhu vakawanda sezvo nguva zhinji
ndaingogara pamba. Neguva yakaita seinobhururuka, zuva tekuenda kuchikoro
ndokusvika. Panguva iyi mai vangu vairatidza kunge vaive vondinzwira tsitsi_
kana kuti kwaiva kundityira. Handina kunyatsonzwisisa. Kubva Zvashaya
sekuru nambuya, tainge tongogara tiri vaviri. Ndinofunga kuti ndipo pakzonz
amai vangu kuti kunyangwe ndairarama nehurema zvangu, ndaitogonawo
kuvatandadza tichitaura nyaya. Ndinoonawo zvakare kuti vakanga vagamuchira
tsumo yevakuru iya inoti, “Ane ganda ane nyama, hazvienzani neakabata howa.7
Kusvika kwandakaita pachikoro ndakabva ndangoona lati ndainge ndisiri wepo.
Vamwe vana vainditarisa sekunge ndainge ndisina kusimira, vamwewo ndivo
vaiseka. Zuva iri rakandiomera zvandisingagoni kutsanangura. Mumwe
mudzidzisi akanditora ndokuenda neni kuhofisi kwake. Akaedza
kunditsanangurira kuti vamwe vana vaizondijaira nekufamba kwenguva,
naizvozvo ndaisafanira kuora mwoyo. Panguva iyi, ini ndakanga ndongoda
kudzokera kumba kuna mai. Hurema chinhu chinouya pauri usingachidi,
nekudaro ndaisaona zvakakodzera kuti vanhu vanorarama nehurema vaselwe.
Vanhu vanorarama neurema vane matambudziko avagara vachisangana nawo
mukurarama kwavo zvekuti kuvaseka kunotova kujogodora chironda chagara
chiripo nechitanda.
4007/1 N2013
13
1G
iw)
fan)
ind
iy
ies)
‘
iv)
on
pe
a
---
Page 4
Extracted Text
Shungu dzangu padzakange dzaserera, ndakataurira mudzidzisi kuti zvechikoro ndakanga ndisisadi. Vakati vainzwisisa zvandaireva asi ndokuti hapana kukura kwandaizoita ndikaramba ndigere kumba naamai vangu. Vakanditsanangurira zvandakanzwisisa kuti dzimwe nguva tinofanira kumisidzana nezvinhu zvakaomarara, tozvirwisa kusvika takunda. Mashoko aya ndiwo akandibatsira kuti ndigone kuenderera mberi nechikoro. Nanhasi ndinoarangarira pese pandinenge ndakatarisana nechinokurira.Kunyangwe ndakasangana nehondo zhinji muupenyu hwangu chinongondifadza
ndechekuti ndakadzirwa ndikakunda. Kutaura kuno ndatovewo nebhizimusi
rangu rekugadzira midziyo inorerutsa upenyu hwevanorarama nehurema. Mimwe
yacho ishangu dzekurebesa makumbo, mawiricheya, madondoro nemimwewo.
Kutaurakuno mai vangu votoverengwawo pavabereki vari kuchengetwa
zvakanaka nevana vavo. Ndakaroora ndatovawo nemburi yangu.
Ndinovimba rungano rweupenyu hwangu rwuchava kurudziro kune vaye
vakatarisana nezvimhingamupinyi zvakasiyana-siyana. Hapana gomo risina
ukwinko. Zvinongoda kunzwisisa kuti upenyu mhasi makata, mangwana
materu, uye kudikitira pakukwira makata aya kusatiodze mwoyo. Tinosvika
chete!
(Nyaya yakanyorwa nemunyori asingazivikanwi)
(a) Doma zita remunyori werungano urwu.
(b) Munyori aiva neurema pamitezo ipi yemuviri wake?
(c) Ndeapi matambudziko matatu abuda mundima anosangana nevanhu
vanorarama neurema?
(d) = Ndeipi dzidziso huru iri murungano inoburitswa neupenyu hwemunyori?
(e) Ndezvipi zvakashaikwa nemunyori pakukura kwake zvaiwanikwa
nevamwe?
( Ndechipi chirevo chiri mundima chinoratidza kuti munyori akarwadziwa
chose nezvakaitika musi waatanga kuenda kuchikoro?
(g) Tsanangura zvinoreva ndevo dzinotevera semashandisirwo adzakaitwa
mundima:
@ baba vakandiramba ndichiri mimba,
(ii) Vabereki vaamai vangu vaiva venhehwechena,
(iii) | nguva yakaita seinobhururuka,
(iv) pandinenge ndatarisana nechinokurira,
4007/1 N2018
50
55
60
65
(1)
@)
G3)
@)
(2)
(2)
(2)
(2)
(2)
(2)
---
Page 5
Extracted Text
CHIKAMU 1: RONDEDZERO] (a)
(b)
(©)
Nyora mhan’aro kumukuru wechikoro uchitsanangura zvakaitika
pamakaenda kune imwe nzvimbo yekushanya muno muZimbabwe.
- ngaape munyon wegwaro
- kwaini kuenda
- zuva ranyorwa mhan’aro
- ngaapewo musoro wegwaro rake
© ngaape zita renzvimbo yakashanyirwa nezuva rakafambwa uye kut
vakasimuka nguvai
e zvakashandiswa pakufamba
e ndivanani vakaenda, vari mufomu yechingani, uye vangani?
© Gadziriro yavakaita vasati vaenda
e Ngaarondedzere mafambiro avakaita, zvavakaona munzira
nezvakaitika pavakamaira
@ Nguva dzavakasvika, zvakaitika nezvavakadzidza panzvimbo lyi
° Matambudziko avakasangana nawo uye kuti akagadziriswa sei
e Kudzoka, nguva dzokusimuka nokusvika uye nguva dzavakasvika
[50]
Dindingwe rinonaka richakweva rimwe kana iro rokwehwa roti mavara angu
azara ivhu.
Ngaive nyaya imwe chete inoratidza kuti kune vamwe vanhu vanofara kana
vachiitira vamwe zvakaipa asi kana ivo vakaitirw
vanotsamwa zvikuru.
a zvimwe chetezvo
ngaive rondedzero ine vatambi vanotendeseka
ikava tunyayanyaya unorasikirwa nezvibodzwa
Nyora mashoko auchataura semumirinini
muzvinabhizimusi wemunharaund.
chenyu.
wevana vechikoro chenyu uchitenda
la akapa chipo chemakombiyuta kuchikoro
- Munyori ngaatange nekukudza vanyarikani vari pagungano in.
- Zita remutauri.
- Zuva renhaurwa.
- Negaataure chinangwa chenhaurwa.
Mumashoko ekutenda chipo chemakombiyuta ngaajekese kubatsira kuchaita
makombiyuta, zvinosanganisira:
® makombiyuta ave kutora uzvimbo yemabhuku, vana voita
vhendenyuro/kutsvaga TUZIVO
© varairidzi vave kukwanisa kuita basa rakaita sekudzidzisa
nekukwenya, gwaro remazita evana, nerezvibodzwa zvevana
° kufambisa mashoko nekukurumidza
tsvakurudzo - unogona kuwana mabhuku ose
kugona kushandisa makombiyuta zvinoreva kuvandudzika
kwounyanzvi hwokushandisa makombiyuta mune Tamangwana
17
---
Page 6
Extracted Text
(a)(e)
e kunyora kwakaremka, zvakachena, zvinoverengeka
© kuchengetedza magwaro akakosha
° vamwe vave kurarama nebasa rinoitwa pamakombiyuta,
semifananidzo, zvitupa zvemhando dzakasiyana, zvichibatsira
vemunharaunda
© kutsikisa mapepanhau anoitwa nevana muzvikoro
[50]
Nyora tsamba kuhama yako yave kuda kunoshandira kunze kwenyika ichisiya
mudzimai nevana muno munyika uchimupa mazano okuti imba yake isaparare
nokuda kwekuparadzaniswa nebasa kwavepo.
- Ngaive tsamba ine kero imwe chete
- Pakwaziso yake ngaatange nokuti:
- Wadiwa Tonderai
- Anodiwa Tonderai
- Mudikanwi Tonderai
- Mudiwa Tonderai
- Negaapedzise nokuti:
- Ndini wako
- Ndini wako anokuda
- Ndini wako wepamoyo
- Pazasi onyora zita rake rekutanga chete
- Mutsamba anogona kuburitsa fungwa dzinotevera:
© sezvo asina kumboparadzana nemudzimai ngaasasiyane naye,
ngaachengetedze wanano
e ngaatsanangudze kumudzimai nevana asati aenda kukosha
kwezvaari kufambira
© ngapave neurongwa kuti zvinhu zvinofamba sei asipo
© mudzimai nevana vawane zvikwanisiro zvose
e ngaagadziridze mapepa mhuri izoteverawo nekukasika
e vagoramba vachitaurirana nemhuri yakasara, zvikuru mudzimai
sezvo ave mumiririn wemhuri
© kuramba vakavimbika
e kutumira zviri kushaviwa/kushandwa
e kupota achidzoka kumba
e mngaaendese vana muzvikoro zvekugarako
© nguva dzezororo mudzimai nevana vagonewo kushanya ikoko
Nyora hurukuro pakati pavanhu vaviri vari kukakavadzana mumwe achiti
kudzidzisa vana kune pundutso mumwe achiti kwangova kupedza pfuma
pasina chinobuda kuvanavo.
- Ngapave nehurukuro ine vatambi vavin vari kukavadzana.
- Hurukuro ngaive neuremu hwakaenzana.
- Anotsigira kudzidziswa kwevana anogona kuti:
- vana vanozokwanisa kusimudzira nyika
- vana vakadzidza vanoshandira mhuri dzavo neunyanzvi
- vanozorooranawo nevakadzidza zvovapa upenyu hwakanaka
18
---
Page 7
Extracted Text
(f)(g)
- zvinovapawo chiremera ;
- kuchengeta vabercki vavo kupinda vasina kudzidza
- Anopikisa kudzidziswa kwevana anogona kuti: ;
- kushaikwa kwemabasa kunyangwe nevakadzidza
- kuzoshaya hanya nevabereki ivo vapedzera pfuma
pakudzidzisa vana
- vasina kudzidza ndivo vari kuita mabhindauko anopa pundutsg
- kudzidzisa vana kwave kudhura pasina chinozobuda
[50]
Nyora nyaya inopedzisira nemazwi anoti, “ _ rufu ndimadzongonyodze.”
- Rondedzero ngaive nenyaya imwe chete ine vatambi vanotendeseka,
- Rondedzcro ngaipere nemazwi anoti, “... rufu ndimadzongonyodze.”
- Zvakaipira rufu zvinogona kusanganisira: kurwadziwa kwevasiiwa,
kudimburirwa panzira kwehurongwa hwemufi, kuparadzaniswa
kwevadiwa.
2 Pfungwa dzerungano rwakarukwa ngadzive dzinoerera dziine udzamu,
- Tukave tunyaya twakawanda, rondedzero ngaikwenywe kwa25.
- Akasapedza nemazwi akapiwa tinobvisa zvibodzwa zviviri pagohwo
remunyori. [50]
Kukosha kwekurima mukurarama kwevanhu munyika yeZimbabwe.
- Mwana ngaataridze kuti anoziva kuti kurima chii.
- Ngaadome mhando dzekurima sokuti:
- kurima mbesa
- kuchengeta zvipfuyo
Mudzidzi ngaadome kukosha kwekurima sokuti:
- kuwanisa vanhu zvekudya
- kuti vanhu vave vatano
- kuwanisa vanhu mabasa
- kuwanisa nyika mari yokunze
- kuwanisa vanhu zvokupfeka
- kupa chiremera kunyika
- kuchengetedza upfumi kwenyika semari ingashandiswa
kutenga chikafu nezvekupfeka kubva kunze
- kubura nyanzvi dzinogona kudzidzisa nezvekurima
- kukwezva vashanyi kubva kune dzimwe nyika
[50]
19
---
Page 8
Extracted Text
CHIKAMU II: NZWISISO2
(a)
(b)
(c)
(d)
@)
(g)
(h)
Dzandimomotera. (1)
makumbo, rimwe raiva pfupi rimwe raiva rakatsveyama. (1)
Kushaya mukana wekusangana nevamwe vana, kutariswa nenzira inobvisa
chimiro, kutadza kuzviitirawo mabasa, kusekwa. (Munyori ngaanyore
zvitatu) (3)
Vanhu vanofanira kushingirira pane zvakaoma. (1)
@) kuyemawo sevamwe
Gi) rudo chairwo rwevabereki
(iii) zvokudya nezvokufuka
(2)
Zuva iri rakandiomera zvandisingagoni kutsanangura. (2)
(i) Mai vaDzandi vakarambwa vaine nhumbu yake/vasati vamuzvara. (2)
(i) Vabereki vaamai vemunyori vaiva varombo vanotambudzika. (2)
(ii) =Nguva yakakurumidza kupera. (2)
(iv) Panguva yekurwisana nematambudziko makuru. (2)
(v) Dambudziko rese rine nzira yekurikunda. (2)
Pfupiso
- kurambwa kwamai Dzandi vaine nhumbu
- kuedza kubvisa nhumbu kwavo
- kuzvara mwana akaremara
= nhamo mumhun yamai Dzandi
- kuenda kuchikoro kwaDzandi
- kusekwa nekushungurudzwa kwaDzandi kuchikoro
- kushinga kwaDzandi
- kubudirira kwaDzandi (10)
7 points - 7 marks
paragraphing - 1 mark
coherence - 1 mark
language - 1 mark
[30]
20
---
Struggling with the concepts in this paper?
Revise syllabus notes, key exam points, and interactive practice questions for Languages Local: