đź“„ Exam Questions & Readable Text Transcript
Full OCR-extracted text of questions, syllabus codes, and exam instructions.
Extracted Content: 2018_shona_olevel_nov_paper2
Page 1
Extracted Text
ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCH, General Certificate of Education Ordinary LevelSHONA 4007/2
PAPER 2 Zvirungamutauro, Misambo yeMutauro
neMaumbirwo eMutauro
NOVEMBER 2018 SESSION 2 hours
Additional materials:
Answer paper
NGUVA: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.
Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako yawakapiwa
somunyoni papepa roga roga remhinduro rawashandisa.
Pindura mibvunzo minomwe chete.
Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwe chete.
ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO
Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi () pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye
izvi [ ] panoperera mubvunzo woga woga.
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, N2018.
©ZIMSEC N2018
21
---
Page 2
Extracted Text
CHIKAMU I: MASHANDISIRWO EMUTAUROPindura mibvunzo miviri muchikamu chino.
1 Sarudza tsumo shanu chete kubva pane dzinotevera ugotsanangura chidzidzo
choupenyu chinowanikwa mune imwe neimwe yadzo kana ichidudzirwa.
(i)
(ii)
(iii)
(iv)
(v)
(vi)
(vii)
Chitsva chiri murutsoka.
Tsapata rukukwe hazvienzani nekurara pasi.
Kugara nhaka kuona/huona dzavamwe.
Mutoro unorema wasvika.
Dziva rine ngwena idivakamwe, ukadzokera unowana ngwena
dzasvinura.
Chiripo chariuraya zizi harifi nemhepo.
Gunguo kuseka zizi muromo uchinge demo.
Sarudza zvirevo zvishanu chete kubva pane zvinotevera ugonyora madimikira
anoreva zvakafanana nemazwi ane mutsara pasi pawo.
(a)
(b)
(c)
(d)
©)
(
(g)
Akamuyambira paakaona akahwandirwa nevavengi.
VaMandisembura vanodada zvikuru.
Tozivepi agarika zvakapfurikidza pamusha pavatezvara vake.
Tete vakaudza Tendai kuti akada kufarisa vaizomurova.
VaMarwei vapopota zvikuru.
Mwanasikana wavo akapiwa pamuviri asati apedza chikoro.
Akazvipinza mumatambudziko nezvinhu zvisina zvazvinobatsira.
4007/1 N2018
22
Q)
Q)
@)
@)
@)
(1)
(1)
(5]
Q)
(1)
(1)
(1)
@)
(1)
(1)
[5]
---
Page 3
Extracted Text
Ndeapi maitiro evanhu angafananidzwa nezvipuka zvinotevera? Sarudza zvipuka zvishanu chete.Muenzaniso: mbuwo — kuramba munhu achidya nyangwe agula.
(a)
(b)
(c)
(@)
()
Oy)
g)
dahwa (1)
katsi (1)
tsuro (1)
shumba (1)
hwai (1)
gurwe (1)
kamba (1)
[5]
CHIKAMU Il: MISAMBO YEMUTAURO
Pindura mibvunzo yose muchikamu chino.
Verenga chindima chinotevera ugopindura mibvunzo inotevera.
Taruwona achangopedza gadziriro yake, akananga kuhofisi kwaainge adanwa
kunobvunzurudzwa nezvebasa. Hapanawo chaimutadzisa kuti basaro rive rake nekuti
mapepa edzidzo yaidiwa aiva nawo.
Achisvikapo akaona atomirirwa nevarume vatanhatu. Paakanzi apinde, shasha yainge
yakaisa zvayo maoko muhomwe. Shasha yakasvikozvuva chigaro. “Ndauya.
Chindibvunzai zvenyu,” akadaro Taruwona.
Vabvunzi vakashamisika. Paakachinzi ataure nezveupenyu hwake akatanga
kutsenga-tsenga chiwitsi. “Zvandakatumira mapepa ane chekuita nezvangu kare wani
madhara. Mondinetsereyi? Taurai zvebasa iri. Ndipei basa ini ndinorigona. Girafuti
ndokudya kwedu isu mayuti.”
(a)
(b)
Ndeupi musambo wakakodzera kushandiswa pakadai? (1)
Dai waiva iwe mutungamiri wedare revabvunzi, Taruwona waimushayisa
basa nekuda kwezvikonzero zvipi? Doma zvishanu. (5)
4007/1 N2018
23
---
Page 4
Extracted Text
(c) Iwe ukadaidzwa kuindavhiyu, ndezvipi zvinhu zvina zvaunofanira kuchenjerera kuita zvinokwidziridza maratidzikiro neunhu hwako? (4) [10]Ndima inotevera ine misambo yakasiyana-siyana yemutauro. Nyatsoiverenga
ugopindura mibvunzo iri pazasi payo.
Chipikini akaperekedzwa neshamwari yake, Ticharwa, kunoona mwanasikana wake,
Chipo airwara.
Ticharwa akasvikokwazisana naVaMbizi vachigwinhana maoko asi Chipikiri
akazvipeta achiita seachachonjomara ari nechokure, ndokuombera achiti, “Makadii
Tembo?”
“Ndiripo zvangu, Murambwi. Swederai zvenyu pedyo, Shumba, muone vadzimai
vangu ava vandafumotara.” WaMbizi vakadaro vachinomira nechokufafitera.
Nguva yokuona varwere yakapera. VanaChipikiri vave kutosvika pasuwo guru
rekubuda muchipatara, vakadhumhana naVaMandisembura avo vainge vakarembedza
musoro vachipunyaira neshungu. Vakavaudza kuti muzukuru wavo ainge ashayikira
pachipatara apa. Chipikini akavabata maoko achitaura mashoko aienderana
nedambudziko rainge ravawira. VaMandisembura vakapindura zvavo vachipukuta
misodzi neseri kweruoko.
VaMandisembura vakabata gotsi ndokutanga kusvimha misodzi. Ticharwa ndokautoti
zvake, “Tinyararirei zvedu apa! Musada kubata nyika kumeso nokuchema nhema!
Ndimi makadya mwana wehanzvadzi yenyu! Nhasi nyama tichaichapfanya
kwenyuko! Muuraye mombe mbiri chaidzo!” Apedza zvake kuita zvese zvemusara
navo akachizovabata maoko otoitawo zvimisodzi.
(a) Vanhu vanotevera vaiva neukama hupi kubva pamataurirano avanoita
mundima?
@ VaMbizi naChipo (1)
(ii) Chipikiri naVaMbizi (1)
(b) (i) Ndeupi musambo unowanikwa mukukwazisana kwaVaMbizi
naChipikiri? (1)
(ii) = Ipa zviviri zvirl mundima zvinoburitsa musambo wawapa
pa (b)(i). (2)
(c) Mashoko anogona kunge akataurwa naChipikiri paaibata VaMandisembura
maoko angava ekutii? (1)
(d) | VaMandisembura vaikwanisa kudaira vachitii? (1)
4007/1 N2018
24
---
Page 5
Extracted Text
icharw V disembura © @ Musambo unoshandiswa naTicharwa kuna VaMani e€1
unonzii? ( |
< 1 ? )
(ii) Chii chaunobatsira pamagariro avaShona (1
. es }
(tii) Chit chawakaipira? ty
CHIKAMU II: MAUMBIRWO EMUTAURO
Pindura mibvunzo mitatu chete kubva muchikamu chino.
Nyora mipanda nezvivakashure zvemazita anotevera:
Vasahwira musango dziva ;
ugaro tufu mweni
Miisungo nhapwa chikoro
majeko
[10]
Verenga ndima inotevera, ugopindura mibvunzo iri pazasi,
Ipapo kwakasvika kamwe kasikana kakasvikoti pfurugwada Pana VaMabvura_
VaMabvura vakatapa shoko hiya nomufaro mukuru ndokurizevezera munzeve
dzaKufakunesy. Achinzwa izyi akaita Seanopenga nokufara. Vanhu vose vakangoti
kanhama nazvo.
(@) — Nyurura zvidudzir,
(6)
(b) Pazvidudziramazita z
chete Ugotsananpura
hipa muenzaniso mumwe chete Pachidudzirazita
choga choga. (4)
[10]
Shandisa chiito /-rova/ muzvirevo kuburitsa madonzvo C2vilto anotevera
(a) rekuudza (2)
(b) Tenhevedzano (2)
€ tekutuma
() (2)
(d) Tezvanga zvichiitika Panguva iyoyo (2)
(e) rekuita
(2)
[10]
4007/1 W018
25
---
Page 6
Extracted Text
Doma mazita ezyakanyorwa nemavara makobvu.(i) Nyora zvakanaka. (1)
(i) — Sekuru vazouya vomene. (1)
(ii) Ini ndinotaura ChiShona. @)
(iv) | Takapemberera mwenga. (1)
(v) — Chakabatwa nekatsi igonzo. Q)
(vi) | Handimuteereri nokuti anonyeba. (1)
(vii) Tatenda aisadya kumakwato. (1)
(viil) Ndabayiwa nechipikiri. (1)
(ix) _Zvatosvorana gonzo nachin’ai. (1)
(x) Kamba inofamba zvinyoronyoro. da
Ongorora zvirevo zvinotevera.
(a) Mbuya vakabilara sekuru doro.
(b) Mwana wemanyawi uya anoroveka nyore.
(c) Kasikana kakatambisa pamuchato.
(ad) = Muvaki achapfurunura imba yedu. ° 5
FRCS
(ec) Anosekerera chaizvo nerudo. yuoAe AIG
Pachirevo choga choga chapiwa ipa zvinotevera: 3 SUN 7023
(0) chiito chiri muchirevo, poy 206, 1 A
(ii) mudzi wechiito, CELL: <= ——
iii) rebeso yechiito,
(iv) zita rerebeso.
[10]
4007/2 N2018
26
---
Struggling with the concepts in this paper?
Revise syllabus notes, key exam points, and interactive practice questions for Languages Local: