đź“„ Exam Questions & Readable Text Transcript
Full OCR-extracted text of questions, syllabus codes, and exam instructions.
Extracted Content: 2019_shona_olevel_mj_paper1
Page 1
Extracted Text
ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCILGeneral Certificate of Education Ordinary Level
SHONA LANGUAGE 4007/1
PAPER 1 Rondedzero neNzwisiso
JUNE 2019 SESSION Maawa maviri
Additional materials:
Answer paper
NGUVA: Maawa mavini
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO
Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.
Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako yawakapiwa somunyori
papepa roga roga remhinduro rawashandisa.
Pindura mubvunzo mumwe chete muChikamu I nemibvunzo yose muChikamu II.
Mibvunzo yose inofanira kupindurwa neChiShona chete.
Ukashandisa mapepa anodarika nmwe, asunganidze pamwechete.
ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO
Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi ( ) pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye
izvi [ ] panoperera mubvunzo woga woga.
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, J2019.
©ZIMSEC J2019
35
---
Page 2
Extracted Text
CHIKAMU I: RONDEDZEROUnokurudzirwa kuti upedze awa imwe chete pachikamu chino.
Sarudza musoro mumwe chete pane yose yakapiwa. Chinyora rondedzero yemhando
yawasarudza nemazwi ari pakati pe450 ne500 kana kusvitsa mapeji mana.
1
(a)
(b)
(c)
(d)
(e)
(0
(g)
Kuzvara hakuna hombarume. [50]
Kukaita mumwe chete abudirira mumhuri, musha wese unotarisira
kuti abatsire vamwe sei mumhuri imomo? [50]
Nyora tsamba kushamwari yako iyo yawakanzwa kuti yava kunwa
nekusvuta zvinodhaka uchiitsanangurira zvazvakaipira pamwe
nekumupa mazano anovaka. [50]
Nyora hurukuro pakati pemusikana nemukomata, mumwe achiti kuva
nezvidzidzo zveScience kuri nani pakuva nezvidzidzo zvemutauro,
mumwe achiti kwete zvakakosha kuva nemutauro. [50]
Nyora rondedzero ine mazwi okuti, “Ndakabva ndazoona kuti hapana
kugona kwandaive ndaita.” [50]
Nyora mhan’aro kuboka renyu rezvirongwa zvebudiriro uchipa budiriro
nematambudziko amakasangana nawo pakuvamba nekufambisa
zvirongwa zvenyu zvebudiriro mugore ramapedza. [50]
“Kuderedzwa kweurombo muvanhu kuri mumaoko evechidiki.’
Unotii nepfungwa iyi? [50]
4007/1 J2019
36
---
Page 3
Extracted Text
CHIKAMU Il; NZWISISO NEPFUPISONyatsoverenga nyaya inotevera ugopindura mibyunzo yose inoilevera neChiShong
chakanaka.
Gweta parakapedza kuverenga zvakasiya zvanyorwa nemufi muwiri yake, vanhy
vakashaya ncromuromo. Kana ari saVhaireti, mudzimai wemufi, akaona sckuti Ainge
arohwa gwati kumeso richibva rangomupofomadza pakarepo. Mwana Wevaridy}
akaona rima, ndokuzongoti puu negotsi paainge agere ipapo. Akadirwa Mura
ndokuzodzidziuka pave paye.
Vhaireti ainge akaroorana naOziwero makore makumi maviri ainge apfuura. Vaive
nevana vavo vatatu, mukuru ainge oita danho rechina kuchikoro chesekondari, muduky
ndiye akanga achangotanga danho redambanevana. Ukama hwaOziwero naVhairci}
semukadzi nemurume hwakanga husingashorcki. Chaizongonetsa Vhaireti ndechokut
basa raOziwero raimudyira nguva yake zhinji zvekuti nguva yekutandara nemhur
yakaramba ichingoita shoma. Mazuva mazhinji Ozi aidzoka kumba kunze kwotoyedz:
asi dzimwe nguva aitotadza kudzoka kumba zvachose nekuti, sematauriro ake, bas;
rainge rakasunga.
Vavakidzani vanoongoora vainge votozviona kuti mafambiro ababa ava ainge asisinz
chiedza mukati. Umwe wevavakidzani ava ndiye akazoenda kunotaura naVhairet
achidawo kunzwa paive nepfungwa dzake. Vhaireti akangotaurawo kuti basa raing(
ini kuwandira murume wake. Mhinduro iyi yakabva yatorera Mai Mashoko simb:
rekuenderera mberi nenyaya yavo. Mibvunzo yainge yabvunzwa naMai Mashokc
yakaita kuti Vhaireti atange kupishana nepfungwa achiedza kufunga kuti zvimwe
murume wake ainge oita gumbo mumba gumbo panze. Chakaita kuti akurumidzc
kudzinga pfungwa idzi ndechekuti Ozi ainge achiri kuriritira mhuri yake zvakanake
semazuva ese. Akaisa pfungwa idzi shure shure kwendangariro dzake ndokusarudz<
kuvimba nemurume wake.
Rimwe zuva Oziwero odzoka kumba panguva yemambakwedza akaita kakutsumwaira
motokan’ ndokubuda mumugwagwa. Motokari yakanorovera pasimbi yemagets
nechokudivi remutyairi akabva angoomera ipapo. Hama neshamwari dzakashushikanz
nerufu rwaOzi, kunyanya mudzimai wake nevana.
Ozi akazochengetwa mushure memazuva matatu, vanhu vachingodzungudza misorc
nekuti rufu rwake rwainge rwauya pasina airwutarisira. Zvisineyi, vanh
vakazongonyaradzana nerokuti ndiyo nzira yedu tese, musi nenguva ndizve
zvinosiyana.
Hapano pakuzoda kuparadza nhumbi dzemufi, pakasimuka murume aive akapfeké
svutu nhema ndokutaura kuti ndiye aive gweta remushakabvu, uye aive nehurongwé
hwemagoverwo aizoitwa pfuma yemufi sckuronga kwemufi. Vazukuru nevaroora
vainge vomirizika vakabva vagara pasi.
4007/1 J2019
37
---
Page 4
Extracted Text
Zyekuti mufi anosiya aronga kugoverwa kuchaitwa pfuma yake zvaiva zvitsva kumhurinehama zhinji dzemufi, asi vakatsanangurinwa kuti zvaive pamutemo kuti munhu asiye
arongera pfuma yake asati afa. Gweta rakazopihwa mukana wekuverenga win range
rasiiwa nemufi. Pfuma zhinji yakapihwa kuna Vhaireti nevana vaké vatatu. Humwe
hupfumt hwakaenda kuna nyakutumbura, avo vaive shirikadzi, nokuti baba vaOziwero
vaive vakashaya iye achiri muduku.
Vanhu vese vaikodzera vakawana chidimu chepfuma yaOzi sckutarisira kwemunhu
wese. Munhu akapedzisira kutaurwa ainzi Fiona, uye ainge apihwawo chimwe
chikamu chepfuma yemushakabvu. Veukama vakatarisana, nekuti vainge vachiziva
kuti havana hama ine zita rakadaro. Vakabvunzana pachavo asi hapana akanga aine
mhinduro. Gweta rakazopindira ndokutsanangurira gungano raivepo kuti mufi aive
neumwe mukadzi waaipota achigara naye uye vaitove nemwana vose.
Zvakazoonekwa kuti Fiona uyu aitovepowo panhamo apa nemwana wake. Vhaireti
haana kutenda zvaainzwa nekuona, panguva iyi ndipo pakangoti rima tiba kumeso
kwake, ndiye dhi negotsi paainge agere ipapo. Vanhu vainge votya kuti nhamo
dzaizogona kupedzisira dzave mbiri kana vakasangwara. Pfungwa dzevanhu
dzakambotama kubva kune zvaitaurwa negweta voedza kubatsira Vhaireti. Mushure
mekudirwa mvura nekupumhwa nezambiya, akabva azomuka. Akavamba kuchema,
apa akanga asisiri kuchema rufu rnvemurume wake. Vanhu vakatozosvika pakuparara
iye achingoungudza, hapana akagona kumunyararidza.
(Nyaya yakanyorwa nemunyori asingazivikanwi.)
Mibvunzo
(a) Vhaireti naOziwero vaiva vava nemakore mangani vari muwanano? 1]
(b) | Dangwe raOziwero raive mudanho mpi redzidzo? 1]
(c) Nyurura chirevo chinoratidza kuti Oziwero akanga asisina nguva nemhuri
yake. (2]
(d) — Ipa chikonzero chakaita kuti Vhaireti arege kufungidzira kuti murume
wake angave nezvakashata zvaakanga achiita. 1]
(e) Nembhaka yei vazukuru nevaroora vakazogara pasi painge poda
kugoverwa nhumbi dzemufi? [2]
( Sei hama dzakatarisana pakataurwa zita raFiona? 1]
(g) Vhaireti anonzi akanga asisiri kuchema rufu rwemurume wake, saka
aichemei? 2]
4007/1 52019
38
---
Page 5
Extracted Text
(h)@)
(i)
Tsanangura zvinoreva mazwi aya semashandisirwo aakaitwa mundima;
(i) ndokuzodzidziuka,
(ii) kakutsumwaira,
(iii) nyakutumbura,
(iv) achingoungudza.
Zvinorevei kuti, “...nhamo dzaizogona kupedzisira dzave mbiri...”
Pfupisa nyaya iyi nemazwi ako asingadariki makumi mashanu.
4007/1 J2019
39
2]
[10]
[30 marks]
---
Struggling with the concepts in this paper?
Revise syllabus notes, key exam points, and interactive practice questions for Languages Local: