2015_shona_olevel_mj_paper2

Year: 2015 • Views: 1 • Downloads: 2

⬇ Download PDF
Tip: Double-tap or pinch to zoom on diagrams
Page 1 of 4 Open Full Size ↗
2015_shona_olevel_mj_paper2 - Page 1
Page 2 of 4 Open Full Size ↗
2015_shona_olevel_mj_paper2 - Page 2
Page 3 of 4 Open Full Size ↗
2015_shona_olevel_mj_paper2 - Page 3
Page 4 of 4 Open Full Size ↗
2015_shona_olevel_mj_paper2 - Page 4

📄 Exam Questions & Readable Text Transcript

Full OCR-extracted text of questions, syllabus codes, and exam instructions.

Extracted Content: 2015_shona_olevel_mj_paper2

Page 1

Extracted Text
ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCIL

General Certificate of Education Ordinary Level

SHONA 3159/2

PAPER 2 Mutauro neUvaranomwe

JUNE 2015 SESSION 2 hours

Additional materials:
Answer paper

NGUVA: Maawa maviri
RAYIRO KUVANYORI VEBVUNZO

Uchapiwa mapepa okunyorera mhinduro dzako.

Nyora zita rako, nhamba yenzvimbo yauri kunyorera nenhamba yako papepa roga roga
remhinduro rawashandisa.

Pindura mibvunzo mishanu chete.
Ukashandisa mapepa anodarika rimwe, asunganidze pamwe chete.
ZIVISO KUVANYORI VEBVUNZO

Zvibodzwa zvakapiwa muzvikomberedzo izvi ( ) pamagumo pechidimbu chemubvunzo, uye izvi
[ ] panoperera mubvunzo woga woga.

Bvunzo ino yakanyorerwa pamapeji mana. «
Copyright: Zimbabwe School Examinations Council, J2015.

©ZIMSEC J2015 : [Enda kuseri

---

Page 2

Extracted Text
2

CHIKAMU I: MUTAURO

Pindura mibvunzo miviri chete muchikamu chino.

1

Nyora zvivakashure nemadzitsi emazita anotevera:

musikana chana shure
muti Tarurera ziso
budzi rwodzi zigadzi
matombo hwahwa mhasa

Doma mazita emazwi akatarwa mitsetse pasi.

(i)
(ii)
(iii)
(iv)
(v)
(vi)
(vii)
(viii)
(ix)
(x)

Uchipa mienzaniso yakakodzera, ratidza kuti zviwedzerwa zvezvindori

Mwana uyu anogona.

Vanhu vazhinji vakauya kumuchato.
Mambo ndiye akatonga nyaya yavo.
Gororo rakapfurwa nepfuti.

Amai havana kurara nokuti mwana akachema usiku hwose.

Ndasvika vachidya sadza.
Heri bhuku rako.

Chimwe chaitika chii?

Iye musikana uya anongoteerera ambuya kana sekuru chete.

Vana vanyora bvunzo.

zvinotevera zvinoshanda nemazwi api pakuumba zvindori.

)
Gi)

fe

ha-

3159/2 J2015

---

Page 3

Extracted Text
3

4 Uchishandisa madzitsi ezviito anotevera nyora zvirevo zvine zviito zvaiswa rebeso
dzawapiwa mberi kwazvo.

Muenzaniso: /bika/ yekuitira

Mhinduro:

() —_|-famba|
(ii) |-tukal
(iii) |-sekal
(iv) __|-kiyal
(vy) — |-dyal
(vi) |-chemal
(vii) |-ungal
(viii) |-dyara|

Ambuya vabikira sekuru doro rinonaka.

yegoneko

yekuitira

yekonzero
yepfumvunuro + goneko
yekuitwa

yekonzero + yekuitirana
yewadzano + yekuitira

yedzokororo + yekonzero + yekuitwa

CHIKAMU II: UVARANOMWE

CHIKWATA A

Pindura mubvunzo mumwe chete kubva muchikamu chino.

5 Sarudza nhetembo mbiri dzaunofarira dzakanyorwa navananyanduri
vakasiyana kubva muna Tipeiwo Dariro ugopa zvadzinoreva uye
mashandisiro avanoita zvidavado munhetembo dzawasarudza.

6 Kubva muna Tipeiwo Dariro, Maureen Mataranyika anoratidza kutambura
kwevanhukadzi. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake mbiri uchiburitsa

matambudziko mana anobuda padetembo rega rega.

[25]

[25]

7 Nyanduri, Willard Choga, anofarira kunyora pamusoro pedingindira rekurayira.

Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake nhatu dziri muna Tipeiwo Dariro.

3159/2 J2015

[25]

[Enda kuseri

---

Page 4

Extracted Text
4 CHIKWATA B

Pindura mubvunzo mumwe chete muchikamu chino.

8 Tsanangura tsika shanu dzaitevedzwa pasichigare dzausingafariri murungano
Akanyangira Yaona.
9 Hunzi naVaGakava, “Basa rangu hapana asingarizivi... Ini ndiri muroyi

ndapikwa.” Tsanangura muchidimbu zvisere zvezvimwe zvavanoita muna
Akanyangira Yaona zvinozadzisa mazwi aya.

10 Tsanangura zvinoitwa naMutonhodza zvinoita kuti anzi ndiye mutambi mukuru
murungano Kutonhodzwa KwaChauruka.

11 Kubva muna Kutonhodzwa KwaChauruka ndoupi mutambi waunonzwa

kutsamwa kana ukafananidzwa naye? Tsigira kufunga kwako nezvinhu zvishanu

zvaanoita murungano urwu.

CHIKWATA C
Pindura mubvunzo mumwe chete kubva muchikamu chino.

12 Tsanangura zvinhu zvishanu zvinoitwa naFillia muna Sajeni Chimedza
mukuedza kusvibisa zita raChimedza.

13 Dzimwe dzenzvimbo dzinoitikira rungano, Sajeni Chineaia ndedzinoti:
@ muhofisi yaChimedza
(ii) —_ bhawa reChisipiti
(iii) | Mayambo Piggeries
(iv) | Gonhi Restaurant

Zvino iwe chitsanangura zvinhu zvitatu zvinoitika munzvimbo imwe neimwe
zvinofambisa rungano mberi.

14 Buritsa matambudziko mashanu ari mumagariro evanhu anoburitswa pachena
nemunyori waMinista Munhuwo.

15 Tsanangura nzira shanu dzinotorwa naMwaita mukuedza kuvanza mhosva yake
. yokubhinya Chenai muna Minista Munhuwo.

3159/2 J2015

[25]

[25]

[25]

[25]

[25]

[25]

[25]

[25]

---

Curriculum Theory & Notes

Struggling with the concepts in this paper?

Revise syllabus notes, key exam points, and interactive practice questions for Languages Local: